2 Thessalonians 3

Anovaraira nekuwonekana navo

1Pakupedzisira, hama, tinyengetererei, kuti shoko raIshe rimhanye nekukudzwa kunyange sezvakaitika nekwamuri, 2uye kuti tisunungurwe kuvanhu vasingafungi nevakaipa; nokuti rutendo harwusi rwevese. 3Asi Ishe wakatendeka, achakusimbisai nekukuchengetai kubva kune wakaipa. 4Uye tine chivimbo muna Ishe maererano nemwi, kuti munoitawo zvinhu zvatinokurairai uye muchazviita. 5Asi Ishe ngaatungamirire moyo yenyu murudo rwaMwari, nemumoyo murefu waKristu. 6Zvino tinokurairai, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti muzviraure pahama imwe neimwe inofamba zvisakafanira, uye kwete zvinoenderana netsika yamakagamuchira kwatiri. 7Nokuti imwi momene munoziva kuti munofanira kutitevera sei, nokuti hatina kufamba zvisakafanira pakati penyu, 8uye hatina kudya chingwa chemunhu pachena, asi pakushingaira nekutambudzika nekushanda siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu; 9kwete nokuti hatina kodzero, asi kuti tizvipe kwamuri semuenzaniso wekutitevera. 10Nokuti kunyange pataiva nemwi, takakurairai izvi, kuti: Kana umwe asingadi kushanda, ngaaregewo kudya. 11Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vanofamba-famba zvisakafanira, vasingatongobati, asi vachiita zvisina maturo. 12Zvino vakadaro tinoraira nekukurudzira naIshe wedu Jesu Kristu, kuti vashande nekunyarara vadye kudya kwavo pachavo. 13Asi imwi, hama, musaneta kuita zvakanaka. 14Asi kana umwe asingateereri shoko redu netsamba, mutarisise uyo, uye musafambidzana naye, kuti anyare; 15uye musamutora semuvengi, asi mumuraire sehama. 16Zvino Ishe werugare amene ngaakupei rugare nguva dzese nemitoo yese. Ishe ngaave nemwi mese. 17Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro, ndiwo mucherechedzo patsamba imwe neimwe; ndinonyora saizvozvo. 18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.

Copyright information for Shona